So sad...but i think its wise kuti a Pastor avewo nebhindauko and wovaka panoti pako werega kumirira zvinhu zvechurch...zviya zvekuti hee kushandira Mwari zvimwe hazvina basa...hamadzangu ka Jesu odzoka
To all the pastors out there hero basa.This is your time to shine itai mudeme..mudeme mubvise umwe wenyu mustreet.Vakawana pekufano gara long term vanozoonawo kuti voita sei.
I am grateful that l have encouraged some pastors I worked with in the past not to be dependent to the church. Vakanditeerera vavepakanaka nokuti church dzimwe dzinongomuka dzichiti mufundisi hatichavadi sezvizvi. May God send some people to go out of their way to assist
Ko chii chinonzi muKristu, ma Church aya handikunamata uku, mweya wa baba ava nechando icho varikurara panze pa road hamuone kuti Church yenyu yaakutoshorwa here, vakatadzei baba avo 😢
Church iyi makamboita zvibhakera yemaFactions Mai ne Mwana. Boxing mukati meChurch. Denga tinoriona kana takokwirawo ndege otherwise yararama pasi muHell. Videos paYou Tube aripo or Google paInternet dzenya dzacho , some few years ago😊
A true Christian haadaro.Unodzinga munhu sembwa zvimwe zvacho unoitira kuprotector image yechurch.Vanemari vechechi iyo vangadai vavaka katwo rooms keseke mufundisi vopinda.There are two sides of the coin asi zvandawona apa ndirini ndagutsikana kuti church ine maproblems iyi.
Churches have always been a business. If you believed something else, at least you now know the truth. We can enlighten ourselves properly. May God help you to know the truth.
Ndo saka ini ndichinamata mumba mangu nekuti kunamata hapachina chii chakadai ichochi apa vanhu ava vanochengetwa ne church muchazvirega henyu vanhu ngati shandei time nezvedu kwete kuti church ichandichengeta zvibude
Such a sad moment for Pastor Madhoromadi.Iam among those vaipindira kuMacheke and would come for conferences at Christ Ministry.Quite an excellent church dzingori nyaya dze Heirship zvinogadzirisika.Pastor Madhoromadhi dai makasiyana nekupindira ma private family issues and then concentrate on preaching the word.Wenyu akazodyiwa akadzingwa Pastor Makoni and ndozvaita Kuti zvisvike pamuri nhasi.Asi Mwari hawamukanganwii ndi Mwari ane RUDO. Committee imwe chete yo nokuti inoziva nekuda Mwari vachakudzosai nekukubvisai pasi peshamhu.Mozodzoka Mufundisi muchiudza nyika yese kuti makadzokera pahushumiri.
Zvinoita sevatsvinyirwa but ichi ndochokwadi manje. Kuchurch endai but try to have a life of your own ! Mumavillages makazara misha yevanhu vasingaendi kubasa , havangatadzi kutsvaga ruzevha vokanya zvidhina vomweta huswa vovaka musha. Mbeu yekurima inotambiriswa nehurumende zvese nefertilizer, huku vanhu vanopanana kumisha uko. If you don't realize kuti things are not OK uchingoti zvichanaka zvichanaka unosvika pakufa uchingokundira nyimo dzevamwe sezviizvi. Church is someone else's business pasi rose, ukatoda kuisa nguva yako yese nesimba rako rese inofa kwako because you will be used!!
Ehe nhai nhai ini ndiri kune nyika dzevamwe asi ndakatenga musha wangu ruzevha ndinarwo mu twn imba ndinayo hazvizoite kuti munhu ushaye pako it's sad kuna baba ava
Mr Birioti urisei hama? Please find time to interview to daughter ataurwa na baba vake Pastor avo. Go with the dad and the daughter to Legal And General corner Nyerere and Baker Ave. They have stands in Waterfalls. Make sure you see the MD so that this family vapiwe even 200 sqr mtrs pachena This is possible. Don't hesitate go with them to safe guard future ye the bright lady
Cut ties nekumusha nekuti wakaharare hazvishande munhu vaka kumusha ma holidays uchiendwo kumusha then back to hre nguva yebasa saka zvichimzi mwari anobatsira snozvibatsira
Mmmmm yaaa hutsinye chaihwo vanhu vakabuditsa pastor ava Mwari vachakurovai neshamhu ine munyu Mirai muone musadero weduwee this man is really pained ko vana moda kuti vadii? May God help His servant!
Mafundisi ndinzweiwo,Jesus was a carpenter, but imi hamude kushanda moda kurarama nekupiwa ne church ,church munhu, munhu anopanduka ,mafundisi shandai
Apo Apostle John vakanyora book Ra Revelation vatushurwa ma ziso. these idiots think they know it all kudzinga munhu aita bofu. Apostle Paul had problems with his eyes he did not stop preaching to the Gentiles. These idiots worship God for money. They are cursed!
Ummmmm ma church aya afumuka monzwa sei hutungamuri kana zvichidai . Kwanai vatendi dzidzai kutsvaga nzvimbo dzenyu kana muri pamabasa. Please siyai this church